2 Chronicles 23:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakaɓuɗisa mŋanakomana wamambo, ʋakamudzika korona, ʋakamupa cipupuriro, ʋakamuita mambo; Jehoyada naʋanakomana ʋake ʋakamuzodza; ʋakati: Mambo ŋgaararame!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehoyadha navanakomana vake vakaburitsa mwanakomana wamambo vakaisa korona paari, vakamupa gwaro resungano vakamugadza samambo. Vakamuzodza vakadaidzira vachiti, “Mambo ngaararame kwamakore akawanda!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva aburitsa mwanakomana wamambo akamudzika ngundu youmambo akamupa bumbiro romutemo akazivisa kuti ndiye mambo. Jehoyadha navanakomana vake vakabva vamuzodza mafuta vachimugadza vakati, “Mambo ngazvirambe zvakadaro!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakabudisa mwanakomana wamambo, vakamudzika korona, vakamupa chipupuriro, vakamuita mambo; Jehoyadha navanakomana vake vakamuzodza; vakati, “Mambo ngaararame!”
Shona 2009?
Ipapo vakabudisa mwanakomana wamambo, vakamudzika korona, vakamupa chipupuriro, vakamuita mambo; Jehoyadha navanakomana vake vakamuzodza; vakati, "Mambo ngaararame!"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakabudisa mwanakomana wamambo, vakamudzika korona, vakamupa chipupuriro, vakamuita mambo; Jehoyadha navanakomana vake vakamuzodza; vakati, “Mambo ngaararame!”