2 Chronicles 23:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akatarira, akaʋona mambo amire pambiru yake paʋaipinda napo, naʋakuru naʋanehwamanda ʋamire kunamambo; ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, ʋakaridza hwamanda; ʋaimbi ʋo ʋakaridza ɀokuridza naɀo, ʋakaraira ʋairumbidza nokuimba kwaʋo. Ipapo Ataria akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Ndamukirwa, ndamukirwa!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatarisa, akaona mambo akamira pambiru yake pavanopinda napo. Vakuru navaridzi vehwamanda vakanga vamire namambo. Uye vanhu vose venyika vakanga vachipembera vachiridza hwamanda uye vaimbi vaine zviridzwa vaitungamirira mukurumbidza. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake akadanidzira achiti, “Ndamukirwa! Ndamukirwa!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakatarisa akaona hoyo mambo amire pedyo nomusimboti wake kumusuo, vakuru vakuru vehondo nevokuridza mabhosvo vamire namambo, vanhu vose venyika iyi vachipembera kufara, mabhosvo achirira, vaimbi vachiridza midziyo yokuimbisa vachitotungamirira pakupemberera kwacho; Atariya akabvarura hanzu neshungu dzake akadaidzira achiti, “Kwapandukwa! Kwapandukwa!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akatarira, akaona mambo amire pambiru yake pavaipinda napo, navakuru navane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda; vaimbiwo vakaridza zvokuridza nazvo, vakaraira vairumbidza nokuimba kwavo. Ipapo Ataria vakabvarura nguo dzavo, vakati, “Ndamukirwa, ndamukirwa!”
Shona 2009?
akatarira, akaona mambo amire pambiru yake pavaipinda napo, navakuru navane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda; vaimbiwo vakaridza zvokuridza nazvo, vakaraira vairumbidza nokuimba kwavo. Ipapo mambo Ataria vakabvarura nguvo dzavo, vakati, "Ndamukirwa, ndamukirwa!"
Shona SUB 2002 Bible
akatarira, akaona mambo amire pambiru yake pavaipinda napo, navakuru navane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda; vaimbiwo vakaridza zvokuridza nazvo, vakaraira vairumbidza nokuimba kwavo. Ipapo Ataria vakabvarura nguo dzavo, vakati, “Ndamukirwa, ndamukirwa!”