2 Chronicles 23:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muprista Jehoyada akaɓuɗisa ʋakuru ʋamazana ʋairaira hondo, akati kwaʋari: Muɓuɗisei pakati pemisara yaʋanhu; aninani unomuteʋera iye, ŋgaaʋurawe nomunondo; nokuti muprista wakati: Regai kumuʋuraya mumba maJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehoyadha muprista akatuma vakuru vamapoka ezana, vaitungamirira varwi akati kwavari, “Muburitsei kunze pakati pavanhu, uye muuraye ani naani anenge amutevera.” Nokuti muprista akanga ati, “Musamuurayire patemberi yaJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi Jehoyadha akaudza vakuru vakuru vokutungamirira hondo kuti, “Mubvisei mumitsetse yevachengetedzi mumuburitse muuraye nebakatwa ani naani anenge woda kutsigirana naye.” Izvozvo mupristi aiti haafaniri kuurayirwa mumba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mupristi Jehoyadha akabudisa vakuru vamazana vairaira hondo, akati kwavari, “Mubudisei pakati pemisara yavanhu; ani naani anomutevera iye, ngaaurawe nomunondo; nokuti mupristi wakati, ‘Regai kumuuraya mumba maJehovha.’ ”
Shona 2009?
Muprista Jehoyadha akabudisa vakuru vamazana vairaira hondo, akati kwavari, "Mubudisei pakati pemisara yavanhu; ani naani anomutevera iye, ngaaurawe nomunondo; nokuti muprista wakati, `Regai kumuuraya mumba maJehovha "
Shona SUB 2002 Bible
Mupristi Jehoyadha akabudisa vakuru vamazana vairaira hondo, akati kwavari, “Mubudisei pakati pemisara yavanhu; ani naani anomutevera iye, ngaaurawe nomunondo; nokuti mupristi wakati, ‘Regai kumuuraya mumba maJehovha.’ ”