2 Chronicles 23:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehoyada akaraira maɓasa eimba yaJehova kuti atarirwe naʋaprista ʋaRevi, ʋakaŋga ʋaroŋgedzwa naDavidi mumba maJehova, kuti ʋapisire Jehova ɀipiriso ɀinopiswa, seɀakanyorwa pamurairo waMosesi, nomufaro nokuimba, seɀakaŋga ɀarairwa naDavidi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehoyadha akaisa temberi yaJehovha mumaoko avaprista, vaiva vaRevhi vakanga vapiwa mabasa naDhavhidhi, omutemberi, okupisira zvipiriso zvinopiswa zvaJehovha sezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, vachifara nokuimba, sokurayira kwakanga kwaitwa naDhavhidhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoyadha akabva aisa vokugaririra pamba paTenzi vachitungamirirwa navapristi vechiRevhi navaRevhi vakanga varongwa naDhavhidhi kuti vave vokuona nezvemba yaTenzi kuti vapote vachipira mipiro yokupisa kuna Tenzi sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi vachipembera kufara nokuimba maererano nezvakanga zvanzi naDhavhidhi zviitwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehoyadha akaraira mabasa eimba yaJehovha kuti atarirwe navapristi vaRevhi, vakanga varongedzwa naDhavhidhi mumba maJehovha, kuti vapisire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMosesi, nomufaro nokuimba, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi.
Shona 2009?
Jehoyadha akaraira mabasa eimba yaJehovha kuti atarirwe navaprista vaRevhi, vakanga varongedzwa naDhavhidhi mumba maJehovha, kuti vapisire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi, nomufaro nokuimba, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi.
Shona SUB 2002 Bible
Jehoyadha akaraira mabasa eimba yaJehovha kuti atarirwe navapristi vaRevhi, vakanga varongedzwa naDhavhidhi mumba maJehovha, kuti vapisire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurairo waMosesi, nomufaro nokuimba, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi.