2 Chronicles 23:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akagadza ʋo ʋatariri pamasuʋo eimba yaJehova, kuti parege kupinda munhu wakaȿiɓiswa necinhu cipi necipi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamisazve vachengeti vamasuo pamasuo etemberi yaJehovha kuitira kuti pasawana uyo akanga asina kuchena nenzira ipi zvayo angapinda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaisa vachengetedzi vepamisuo mikuru pamisuo mikuru yepamba paTenzi kuti parege kupinda ani zvake anenge akan'ora nenzira ipi neipi zvayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akagadzawo vatariri pamusuo eimba yaJehovha, kuti parege kupinda munhu wakasvibiswa nechinhu chipi nechipi.
Shona 2009?
Akagadzawo vatariri pamusuo eimba yaJehovha, kuti parege kupinda munhu wakasvibiswa nechinhu chipi nechipi.
Shona SUB 2002 Bible
Akagadzawo vatariri pamusuwo eimba yaJehovha, kuti parege kupinda munhu wakasvibiswa nechinhu chipi nechipi.