2 Chronicles 23:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ŋgakurege kuʋa nomunhu mumŋe unopinda mumba maJehova, asi ʋaprista naʋaRevi ʋanoɓata’mo; iʋo ŋgaʋapinde nokuti ʋatȿene; asi ʋanhu ʋose ʋanofanira kurinda imba yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hapana anofanira kupinda mutemberi yaJehovha kunze kwavaprista navaRevhi vanenge vari pabasa, vanokwanisa kupinda havo nokuti ivo vakanatswa. Asi vamwe varume vose vanofanira kuchengetedza basa ravakapiwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngakurege kuva nomunhu anopinda mumba yaTenzi kunze kwevapristi nevaRevhi vanoshandamo, vangapinde zvavo nokuti vanhu vakatsaurwa vatsvene. Asi vanhu vose ngavachengete zvakatemwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ngakurege kuva nomunhu mumwe anopinda mumba maJehovha, asi vapristi navaRevhi vanobatamo; ivo ngavapinde nokuti vatsvene; asi vanhu vose vanofanira kurinda imba yaJehovha.
Shona 2009?
Asi ngakurege kuva nomunhu mumwe anopinda mumba maJehovha, asi vaprista navaRevhi vanobatamo; ivo ngavapinde nokuti vatsvene; asi vanhu vose vanofanira kurinda imba yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ngakurege kuva nomunhu mumwe anopinda mumba maJehovha, asi vapristi navaRevhi vanobatamo; ivo ngavapinde nokuti vatsvene; asi vanhu vose vanofanira kurinda imba yaJehovha.