2 Chronicles 23:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaRevi ʋanofanira kukomba mambo, mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake; aninani unopinda paimba, unofanira kuʋurawa; mugare namambo kana acipinda ʋuye kana aciɓuɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaRevhi vanofanira kumira vakakomba mambo, murume mumwe nomumwe aine zvombo zvake muruoko rwake. Ani naani zvake anopinda mutemberi anofanira kuurayiwa. Garai pedyo namambo kwose kwaanoenda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaRevhi vanofanira kukuta vakatenderedza mambo mumwe nomumwe akabata mumaoko zvombo zvake zvehondo. Kuwana anenge angofemera kupinda mumba macho ngaauraiwe. Ivai namambo paanopinda napaanobuda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaRevhi vanofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani anopinda paimba, anofanira kuurawa; mugare namambo kana achipinda uye kana achibuda.”
Shona 2009?
VaRevhi vanofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani anopinda paimba, anofanira kuurawa; mugare namambo kana achipinda uye kana achibuda."
Shona SUB 2002 Bible
VaRevhi vanofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani anopinda paimba, anofanira kuurayiwa; mugare namambo kana achipinda uye kana achibuda.”