2 Chronicles 23:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋaRevi naʋaJuda ʋose ʋakaita ɀose ɀaʋakarairwa nomuprista Jehoyada; mumŋe nomumŋe akatora ʋanhu ʋake, iʋo ʋaifanira kupinda nesaɓata naiʋo ʋaifanira kuɓuɗa nesaɓata; nokuti muprista Jehoyada haana‐kutendera mapoka kuenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaRevhi navarume vose veJudha vakaita sezvavakanga varayirwa naJehoyada muprista. Mumwe nomumwe akatora vanhu vake vaifanira kupinda pabasa nokuti Jehoyadha muprista akanga asina kusunungura boka ripi zvaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaRevhi nevose vokwaJudha vakaita zvose zvakanga zvanzi nomupristi Jehoyadha zviitwe. Mumwe nomumwe wavo akauya navanhu vake vakanga vasingafanire kuuya pabasa musi weSabata navaye vakanga vachifanira kuva pabasa musi weSabata pamusana pokuti mupristi Jehoyadha haana kunga ati zvikwata zvacho zviende.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vaRevhi navaJudha vose vakaita zvose zvavakarairwa nomupristi Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata naivo vaifanira kubuda neSabata; nokuti mupristi Jehoyadha haana kutendera mapoka kuenda.
Shona 2009?
Naizvozvo vaRevhi navaJudha vose vakaita zvose zvavakarairwa nomuprista Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata naivo vaifanira kubuda neSabata; nokuti muprista Jehoyadha haana kutendera mapoka kuenda.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vaRevhi navaJudha vose vakaita zvose zvavakarairwa nomupristi Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata naivo vaifanira kubuda neSabata; nokuti mupristi Jehoyadha haana kutendera mapoka kuenda.