2 Chronicles 24:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋguʋa dzose kana bokisi riciiswa paimba yamambo namaʋoko aʋaRevi, kana ʋakaʋona kuti mari zhinji yaʋa’mo, munyori wamambo nomutariri womuprista mukuru ʋakaʋuya ʋakaɗurura ɀiri mubokisi, ʋakaritora ndokuridzosera ɀe panɀimbo yaro. Ʋakaita kuɗaro zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋakaʋuŋganidza mari zhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pose paitakurwa bhokisi richipinzwa mukati navaRevhi kumachinda amambo, uye pavaiona kuti maiva nemari yakawanda, munyori wamambo nomubati womuprista mukuru vaiuya vodurura mari kubva mubhokisi riya voridzorera panzvimbo yaro. Vakaita izvi nguva nenguva uye vakaunganidza mari yakawanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zibhokisi guru iri parakaunzwa navaRevhi kumachinda amambo ivo vaiti vakaona kuti mune mari yawanda; samunyori mukuru wokwamambo nomuchinda womupristi mukuru vaiuya voibvisa muzibhokisi racho voritakura voridzosera panzvimbo paro. Ndozvavaiita zuva nezuva vakaunganidza mari yakawanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nguva dzose kana bhokisi richiiswa paimba yamambo namaoko avaRevhi, kana vakaona kuti mari zhinji yavamo, munyori wamambo nomutariri womupristi mukuru vakauya vakadurura zviri mubhokisi, vakaritora ndokuridzoserazve panzvimbo yaro. Vakaita kudaro zuva rimwe nerimwe, vakaunganidza mari zhinji.
Shona 2009?
Zvino nguva dzose kana bhokisi richiiswa paimba yamambo namaoko avaRevhi, kana vakaona kuti mari zhinji yavamo, munyori wamambo nomutariri womuprista mukuru vakauya vakadurura zviri mubhokisi, vakaritora ndokuridzoserazve panzvimbo yaro. Vakaita kudaro zuva rimwe nerimwe, vakaunganidza mari zhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nguva dzose kana bhokisi richiiswa paimba yamambo namaoko avaRevhi, kana vakaona kuti mari zhinji yavamo, munyori wamambo nomutariri womupristi mukuru vakauya vakadurura zviri mubhokisi, vakaritora ndokuridzoserazve panzvimbo yaro. Vakaita kudaro zuva rimwe nerimwe, vakaunganidza mari zhinji.