2 Chronicles 24:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paZekaria, mŋanakomana womuprista Jehoyada, akamira pakakwirira pamberi paʋanhu, akati kwaʋari: Ɀanzi naMŋari: Munoɗarikireiko mirairo yaJehova, muciramba kufara? Ɀamasiya Jehova, naiye wakusiyai ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mweya waJehovha wakauya pana Zekaria, mwanakomana waJehoyadha muprista Akamira pamberi pavanhu akati, “Zvanzi naMwari, ‘Sei musingateereri mirayiro yaJehovha? Hamuchazobudiriri. Nokuti makasiya Jehovha, iye akusiyaiwo.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya waMwari wakafukidza Zekariya mwanakomana wavaJehoyadha mupristi akamira pakadaro apo akatarisa pavanhu akati kwavari, “Zvanzi naTenzi munodarikirei mitemo yaTenzi zviri kukusakisai kudai kuti mutadze kubudirira? Pamusana pokuti mafuratira Tenzi iyewo akufuratiraiwo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paZekariya, mwanakomana womupristi Jehoyadha, akamira pakakwirira pamberi pavanhu, akati kwavari, “Zvanzi naMwari, ‘Munodarikireiko mirairo yaJehovha, muchiramba kufara? Zvamasiya Jehovha, naiye wakausiyawo.’ ”
Shona 2009?
Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paZekariya, mwanakomana womuprista Jehoyadha, akamira pakakwirira pamberi pavanhu, akati kwavari, "Zvanzi naMwari, `Munodarikireiko mirairo yaJehovha, muchiramba kufara? Zvamasiya Jehovha, naiye wakakusiyayiwo., "
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paZekariya, mwanakomana womupristi Jehoyadha, akamira pakakwirira pamberi pavanhu, akati kwavari, “Zvanzi naMwari, ‘Munodarikireiko mirairo yaJehovha, muchiramba kufara? Zvamasiya Jehovha, naiye wakausiyawo.’ ”