2 Chronicles 24:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋabva kwaari (nokuti ʋakamusiya acirwara kwaɀo), ʋaranda ʋake ʋakaraŋgana pamsoro pake nemhaka yeropa raʋanakomana ʋomuprista Jehoyada, ʋakamuʋurayira panhoʋo yake, akafa; ʋakamuʋiga muguta raDavidi, asi haʋana‐kumuʋiga kumarinda amadzimambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaAramu pavakazodzokera shure vakasiya Joashi akuvara zvakanyanya. Machinda ake akarangana akamupa mhosva yokuuraya mwanakomana waJehoyadha muprista, vakamuuraya akarara panhoo yake. Saka akafa akavigwa muGuta raDhavhidhi asi kwete mumakuva amadzimambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakabva paari vakamusiya akuvara kwazvo. Makurukota ake akarangana kumupandukira pamusana peropa raakadeura ravanakomana vokwaJehoyadha mupristi vakabva vamuuraya pamubhedha wake akafa. Vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga mumakuva emadzimambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya achirwara kwazvo), varanda vake vakarangana pamusoro pake nemhaka yeropa ravanakomana vomupristi Jehoyadha, vakamuurayira panhoo yake, akafa; vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga kumarinda amadzimambo.
Shona 2009?
Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya achirwara kwazvo), varanda vake vakarangana pamusoro pake nemhaka yeropa ravanakomana vomuprista Jehoyadha, vakamuurayira panhovo yake, akafa; vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga kumarinda amadzimambo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya achirwara kwazvo), varanda vake vakarangana pamusoro pake nemhaka yeropa ravanakomana vomupristi Jehoyadha, vakamuurayira panhoo yake, akafa; vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga kumarinda amadzimambo.