2 Chronicles 24:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ɀiri ɀaʋanakomana ʋake, namashoko makuru aʋaprofita akarebga pamsoro pake, nokumutswa kweimba yaMŋari, tarirai ɀakanyorwa paɗudziro yebuku yamadzimambo. Amazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhoroondo dzavanakomana vake, nezvakaprofitwa pamusoro pake nezvakanyorwa pamusoro pokuvandudzwa kwetemberi yaMwari zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyaya dzezvevana vake vakomana nokutsiurwa kwose kwaaiitwa naMwari nokugadzira kwaakaita imba yaMwari zvakanyorwa Mubhuku Rokutsanangura zviri muBhuku reMadzimambo. Mwanakomana wake, Amaziya, ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana zviri zvavanakomana vake, namashoko makuru avaporofita akarehwa pamusoro pake, nokumutswa kweimba yaMwari, tarirai zvakanyorwa padudziro yebhuku yamadzimambo. Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
Shona 2009?
Zvino kana zviri zvavanakomana vake, namashoko makuru avaporofita akarehwa pamusoro pake, nokumutswa kweimba yaMwari, tarirai zvakanyorwa padudziro yebhuku yamadzimambo. Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana zviri zvavanakomana vake, namashoko makuru avaporofita akarehwa pamusoro pake, nokumutswa kweimba yaMwari, tarirai zvakanyorwa padudziro yebhuku yamadzimambo. Amaziya mwanakomana wake akamutevera paushe.