2 Chronicles 24:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akakokera ʋaprista naʋaRevi, akati kwaʋari: Ƃuɗirai kumaguta aJuda, muʋuŋganidze kuʋaIsraeri ʋose mari yokugadzirisa nayo imba yaMŋari wenyu gore rimŋe nerimŋe; ʋuye mumba macimbidzikira cinhu ici! Asi ʋaRevi haʋana‐kucimbidzika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaunganidza vaprista navaRevhi akati kwavari, “Endai kumaguta eJudha mundotora mari inofanira kupiwa gore negore kubva kuIsraeri, yokugadziridza nayo temberi yaMwari wenyu. Zviitei iye zvino.” Asi vaRevhi havana kubva vazviita ipapo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akakokorodza vapristi nevaRevhi akavati, “Endai kumaguta omunyika maJudha muunganidze mari yokugadzirisa imba yaMwari wenyu gore negore, mukurumidze kuita izvozvo.” Asi vaRevhi havana kuchimbidzika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akakokera vapristi navaRevhi, akati kwavari, “Budirai kumaguta aJudha, muunganidze kuvaIsiraeri vose mari yokugadzirisa nayo imba yaMwari wenyu gore rimwe nerimwe; uye mubva machimbidzikira chinhu ichi!” Asi vaRevhi havana kuchimbidzika.
Shona 2009?
Akakokera vaprista navaRevhi, akati kwavari, "Budirai kumaguta aJudha, muunganidze kuvalsiraeri vose mari yokugadzirisa nayo imba yaMwari wenyu gore rimwe nerimwe; uye mubve machimbidzikira chinhu ichi!" Asi vaRevhi havana kuchimbidzika.
Shona SUB 2002 Bible
Akakokera vapristi navaRevhi, akati kwavari, “Budirai kumaguta aJudha, muunganidze kuVaIsiraeri vose mari yokugadzirisa nayo imba yaMwari wenyu gore rimwe nerimwe; uye mubva machimbidzikira chinhu ichi!” Asi vaRevhi havana kuchimbidzika.