2 Chronicles 25:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Amazia akaʋaraʋura, iro pfumo rakaŋga raʋuya kwaari ricibva kwaEfraimi, kuti ʋadzokere ɀe kumusha; nemhaka iyo ʋakatsamŋira Juda kwaɀo, ʋakadzokera kumusha ʋatsamŋa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Amazia akaregera varwi vose vakanga vabva kuEfuremu vachienda uye akavati vaende zvavo kumba. Vakatsamwa zvikuru nokuda kweJudha vakaenda kumba vachipopota zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Amaziya akakotonotsa hondo yakanga yauya kwaari yabva kwaEfuremu kuti vaende zvavo kumusha. Ivo vakabva vavirukira vokwaJudha nehasha kwazvo vakadzokera kumusha vakapaka kwazvo nadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Amazia akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo.
Shona 2009?
Ipapo Amazia akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Amaziya akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo.