2 Chronicles 25:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋadzoswa naAmazia, kuti ʋarege kundorwa naye, ʋakandowira maguta aJuda, kubva paSamaria kuȿikira paBeti‐horoni, ʋakaʋuraya ʋanhu ʋaneɀuru ɀitatu kwaʋari, ʋakapambara ɀizhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva imwe cheteyo varwi vakanga vadzoserwa naAmazia pakurwa uku vakandopamba maguta eJudhea kubva kuSamaria kusvika kuBheti Horoni. Vakauraya zviuru zvitatu zvavanhu vakatakura zvinhu zvizhinji kwazvo zvavakapamba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi varwi vaye vehondo iya yokudzorwa naAmaziya asisavabvumire kuenda naye kuhondo vakarwisa maguta okwaJudha kubvira kuSamaria kudzamara kuBhetihoroni vakauraya zviuru zvitatu zvavanhu. Vakakukucha kupamba zvinhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmazia, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji.
Shona 2009?
Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmazia, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmaziya, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji.