2 Chronicles 25:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka Jehova wakatsamŋira Amazia, akatuma muprofita kwaari; iye akati kwaari: Wakabvunzireiko ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakakoniwa kurwira ʋanhu ʋaʋo pamaʋoko ako?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro paAmazia, akatuma muprofita kwaari, akati, “Seiko uchibvunzira kuzvimwari zvavanhu ava zvakatadza kuponesa vanhu vazvo kubva mumaoko ako?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Tenzi akashatiririrwa Amaziya akamutumira muporofita akasvikoti kwaari, “Chawavakuendera kune vamwari vevanhu vechirudzi vasinakukwanisa kununura vanhu vavo mumaoko avo chii?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka Jehovha akatsamwira Amazia, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, “Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?”
Shona 2009?
Saka Jehovha akatsamwira Amazia, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, "Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?"
Shona SUB 2002 Bible
Saka Jehovha akatsamwira Amaziya, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, “Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?”