2 Chronicles 25:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acataura naye, mambo akati kwaari: Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, ucaʋurayirweiko? Ipapo muprofita akanyarara, asi wakati: Ndinoziʋa kuti Mŋari unofuŋga kukuparadza, nokuti wakaita iɀoɀi, ukasaterera ɀandakakuraira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achiri kutaura, mambo akati kwaari, “Ko, takugadza kuti uve mupi wamazano wamambo here? Mira! Uchafireko?” Saka muprofita akamira, asi akati, “Ndinoziva kuti Mwari akagadzirira kukuparadzai nokuti makaita izvi, uye hamuna kuteerera kukurayirai kwangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi achingunotaura kudaro mambo akamugamha achiti, “Zviye takakusarudza kuti uve jinda ramambo nhai? Chinyarara! Chowofirawo zvako chii ipapa?” Muporofita ndiye zii zvake asi akangoti, “Chandinoziva ini ndechokuti Mwari afunga zvokukuparadzai pamusana pezvamakaita uye nokusateerera zano rangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, “Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko?” Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, “Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nokuti wakaita izvozvi, ukasaterera zvandakakuraira.”
Shona 2009?
Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, "Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko?" Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, "Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nokuti wakaita izvozvi, ukasateerera zvandakakuraira."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, “Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko?” Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, “Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nokuti wakaita izvozvi, ukasaterera zvandakakuraira.”