2 Chronicles 25:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Amazia mambo waJuda akatȿaka zano, akatuma kunaJoashi mŋanakomana waJehoahazi, mŋanakomana waJehu, mambo waIsraeri, akati: Ʋuya, tirwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge Amazia mambo weJudha abvunza vapi vake vamazano akatumira shoko rokudenha kuna Jehurashi mwanakomana waJehoahazi achiti, “Uya tisangane chiso nechiso.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Amaziya mambo wokwaJudha akabvunza mazano akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo wokwaIsiraeri achiti, “Uya timirisane.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Amazia mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, “Uya tirwe.”
Shona 2009?
Ipapo Amazia mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, "Uya tivonane."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Amaziya mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, “Uya tirwe.”