2 Chronicles 25:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joashi mambo waIsraeri akatuma shoko kunaAmazia mambo waJuda, akati: Rukato rwakaŋga ruri paRebanoni rwakatuma shoko kumusidari wakaŋga uri paRebanoni, rukati: Ipa mŋanakomana waŋgu mukunda wako aʋe mukadzi wake; ɀino imŋe mhuka yakaŋga iri paRebanoni ikapfuʋura’po, ikatsika‐tsika rukato.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehoashi mambo weIsraeri akapindura Amazia mambo weJudha akati, “Rukato rwakanga rwuri muRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri muRebhanoni, rokuti, ‘Ipa mwanasikana wako kumwanakomana wangu kuti ave mukadzi wake.’ Ipapo imwe mhuka yomusango yaiva muRebhanoni yakauya ikatsikatsika rukato rwuya pasi petsoka dzayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akatumawo nhume kuna Amaziya mambo wokwaJudha achiti, “Kananga kepaRebhanoni kakatumira nhume kumuti womusidhari wepaRebhanoni kachiti, ‘Rega mwanasikana wako aroorwe nomwanakomana wangu ave mukadzi wake.’ Chimwe chikara chomuRebhanoni chakapfuura nepo chikakatsikirira pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, “Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake;’ zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato.
Shona 2009?
Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, "Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, `Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake,' zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato.
Shona SUB 2002 Bible
Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amaziya mambo waJudha, akati, “Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake;’ zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika–tsika rukato.