2 Chronicles 25:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe unoti: Tarira wakunda Edomi; ɀino mŋoyo wako waʋa namanyawi, woɀikudza; gara hako ɀino kumusha kwako; nokuti ucatȿakireiko njodzi, uwire’mo, iwe naJuda pamŋe cete newe?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Unozviti wakakunda vaEdhomu uye zvino wava namanyawi nokuzvikudza. Zvino gara kumba kwako! Seiko uchikumbira matambudziko uye uchizviwisira pasi iwe neJudhawo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unotika iwe wakakurira Edhomu chaizvo ukabva waita zenze kuzvikudza. Zvino iwe gara zvako kumba. Unodirei kuzvidenhera nhamo inokuridibura iwe pamwechete naJudha?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Iwe unoti, ‘Tarira wakunda Edhomu; zvino mwoyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nokuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?’ ”
Shona 2009?
Iwe unoti, `Tarira wakunda Edhomu; zvino moyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nokuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?' "
Shona SUB 2002 Bible
“Iwe unoti, ‘Tarira wakunda Edhomu; zvino mwoyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nokuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?’ ”