2 Chronicles 25:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Joashi mambo waIsraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJuda ʋakarwa paBeti‐shemeshi riri paJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Jehoashi mambo weIsraeri akavarwisa. Iye naAmazia vakatarisana paBheti Shemeshi muJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akakwirako, iye naAmaziya mambo wokwaJudha vakamirisana kurwa hondo kuBhetishemeshi rokwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha.
Shona 2009?
Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmaziya mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha.