2 Chronicles 25:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joashi mambo waIsraeri akasuŋga Amazia mambo waJuda, mŋanakomana waJoashi, mŋanakomana waJehoahazi, paBeti‐shemeshi, akaenda naye Jerusarema, akaputsa ruȿiŋgo rweJerusarema, kubva pasuʋo raEfraimi kusikira pasuʋo rapakona, makubiti anamazana manna.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehoashi mambo weIsraeri akatapa Amazia mambo weJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waAhazia paBheti Shemeshi. Ipapo Jehoashi akauya naye kuJerusarema akaputsa rusvingo rweJerusarema kubva paSuo raEfuremu kusvika paSuo Rapakona, nzvimbo yakareba makubhiti mazana manab.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akabata Amaziya mambo wokwaJudha mwanakomana waJoashi mwanakomana Ahaziya kuBhetishemeshi. Akaenda naye kuJerusaremu akapaza mbimbi yorusvingo rweJerusaremu inoita mamita mazana maviri kubvira pasuo guru raEfuremu kusvikira pasuo guru rapaKona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joashi mambo waIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
Shona 2009?
Joashi mambo walsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
Shona SUB 2002 Bible
Joashi mambo waIsiraeri akasunga Amaziya mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuwo raEfuremu kusvikira pasuwo rapakona, makubhiti ana mazana mana.