2 Chronicles 25:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatora ndarama yose nesirveri, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMŋari kunaObedi‐edomi, nefuma yomumba mamambo, naʋanhu kuzoʋa ruɓatso, akadzokera Samaria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatora goridhe nesirivha yose nemidziyo yose yakawanikwa mutemberi yaMwari zvaichengetwa naObhedhiEdhomu, pamwe chete nepfuma yose yaiva mumuzinda navanhu vorubatso, uye vakadzokera kuSamaria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akapamba ndarama yose nesirivha nemidziyo yose yaiva mumba yaMwari zvainge zviri mumaoko aObhedoedhomu. Akapambawo upfumi hwomumuzinda wamambo. Akatorawo nhapwa ndokubva adzokera kuSamaria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna ObhedhiEdhomu, nepfuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
Shona 2009?
Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna Obhedhi-Edhomu, nefuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
Shona SUB 2002 Bible
Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna ObhedhiEdhomu, nepfuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.