2 Chronicles 25:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haana‐kuʋuraya ʋana ʋaʋo, asi wakaita seɀakanyorwa pamurairo pabuku yaMosesi, seɀakarairwa naJehova, aciti: Madziɓaɓa haafaniri kufira ʋana ʋaʋo, naʋana haʋafaniri kufira madziɓaɓa aʋo; asi munhu mumŋe nomumŋe unofanira kufira ɀiʋi ɀake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro haana kuuraya vanakomana vavo asi akaita sezvazvakanga zvakanyorwa muMurayiro, muBhuku raMozisi, umo Jehovha akarayira achiti, “Madzibaba havafaniri kuurayiwa nokuda kwavana vavo, uye kuti vana havafaniri kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi haana kuuraya vana vavaurayi ava sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku romutemo waMosesi panonzi naTenzi, “Madzibaba haafaniri kuurayirwa mhosva dzavana. Vanawo havafaniri kuurayirwa mhosva dzamadzibaba. Munhu wose anofira mhosva yake iye pachake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurayiro pabhuku yaMosesi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, “Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.”
Shona 2009?
Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurayiro pabhuku yaMozisi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, "Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake."
Shona SUB 2002 Bible
Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurairo paBhuku raMosesi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, “Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.”