2 Chronicles 25:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Amazia akaʋuŋganidza ʋo ʋaJuda, akagadza pamsoro paʋo ʋatariri ʋeɀuru naʋatariri ʋamazana nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, iʋo ʋaJuda ʋose naʋaBenjamini; akaʋaʋereŋga, ʋose ʋamakore anamakumi maʋiri naʋakapfuʋura, akaʋawana ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana matatu ʋakatsaurwa, ʋaigona kurwa, ʋaigona kurwa nepfumo nenhoʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Amazia akaunganidza vanhu veJudha akavaronga zvichienderana nemhuri dzavo pasi pavatungamiri vezviuru akaverengawo vaiva namakore makumi maviri naanopfuura akaona kuti vaisvika zviuru mazana matatu vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo, vaigona kubata mapfumo nenhoo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Amaziya akazokokorodza varume vokuhondo vokwaJudha akavaronga imba nemba vari pasi pevatungamiriri vezviuru nevemazana vari vose zvavo vokwaJudha nevokwaBhenjamini. Akaverenga vaiva namakore makumi maviri zvichikwira akawana vari zviuru mazana matatu zvavarume chaivo vakanyatsosarudzwa vanogona kuenda kuhondo vaigona kutakura nhoo nemapfumo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Amazia akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhoo.
Shona 2009?
Amazia akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhovo.
Shona SUB 2002 Bible
Amaziya akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhoo.