2 Chronicles 25:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mumŋe munhu waMŋari wakaʋuya kwaari, akati: Haiwa, mambo, hondo yaʋaIsraeri ŋgairege kuenda nemi, nokuti Jehova haa’po panaIsraeri, paʋana ʋaEfraimi ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi munhu waMwari akauya kwaari akati, “Haiwa Mambo, ava varwi vabva kuIsraeri havafaniri kuenda nemi nokuti Jehovha havasi kuIsraeri, havasi kune upi zvake munhu wokuEfuremu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari akati, “Mambo! Regai zvenyu kuendako nehondo yokwaIsiraeri nokuti Tenzi haasi nevokwaIsiraeri, uye haasiri navose vekwaEfuremu ava.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, “Haiwa, mambo, hondo yavaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nokuti Jehovha haapo panaIsiraeri, pavana vaEfuraimu vose.
Shona 2009?
Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, "Haiwa, mambo, hondo yavaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nokuti Jehovha haapo panaIsiraeri, pavana vaEfuraimu vose.
Shona SUB 2002 Bible
Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, “Haiwa, mambo, hondo yaVaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nokuti Jehovha haapo pana Isiraeri, pavana vaEfuremu vose.