2 Chronicles 26:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋaka ʋo shoŋgwe murenje, akacera ʋo madziʋa mazhinji, nokuti wakaŋga aneɀipfuwo ɀizhinji; napamapani ʋo, napanyika yokumakomo; ʋuye wakaŋga ana ʋarimi naʋasimi ʋamazambiriŋga pamakomo napaminda yakaʋorera, nokuti waiɗa minda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavakazve shongwe murenje uye akachera matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvakawanda mujinga mezvikomo nomumapani. Aiva navanhu vaishanda muminda yake nomuminda yemizambiringa mumakomo nomunyika yakaorera, nokuti aida ivhu kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavakawo nharire kurenje akafonon'ona mabwe kuita magaringiro mazhinji okuchengetedza mvura nokuti aiva namatanga namatanga emombe makuru kwazvo kunyika yamanhika yeShefera nokubani. Aivawo navarimi nevokuchengetedza migirepisi muzvikomo nomuminda ine vhu chairo rakanaka pamusana pokuti zvourimi izvi aizvida.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavakawo shongwe murenje, akacherawo matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvizhinji; napamapaniwo, napanyika yokumakomo; uye akanga ana varimi navasimi vamadzambiringa pamakomo napaminda yakaworera, nokuti aida minda.
Shona 2009?
Akavakawo shongwe murenje, akacherawo matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvizhinji; napamapaniwo, napanyika yokumakomo; uye akanga ana varimi navasimi vamazambiringa pamakomo napaminda yakaworera, nokuti aida minda.
Shona SUB 2002 Bible
Akavakawo shongwe murenje, akacherawo matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvizhinji; napamapaniwo, napanyika yokumakomo; uye akanga ana varimi navasimi vamazambiringa pamakomo napaminda yakaworera, nokuti aida minda.