2 Chronicles 26:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋairaira hondo yakaŋga yakadzidziswa, ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamazana matatu neɀinomŋe namazana mashanu, ʋaigona kurwa nesimba guru, kuzoɓatsira mambo kurwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pasi pavo paiva nehondo yaiva navarume zviuru mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vakadzidziswa kurwa, hondo yakanga yakasimba kwazvo kuti itsigire mambo pakurwisana navavengi vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaitungamirira hondo yavarwi yaiita zviuru mazana matatu ane zvinomwe ane vanhu mazana mashanu vaikwanisa kurwa hondo nesimba guru kwazvo vokubatsira mambo kurwisa muvengi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vairaira hondo yakanga yakadzidziswa, vanhu vane zviuru zvina mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vaigona kurwa nesimba guru, kuzobatsira mambo kurwa navavengi vavo.
Shona 2009?
Ivo vairaira hondo yakanga yakadzidziswa, vanhu vane zviuru zvina mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vaigona kurwa nesimba guru, kuzobatsira mambo kurwa navavengi vavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vairaira hondo yakanga yakadzidziswa, vanhu vane zviuru zvina mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vaigona kurwa nesimba guru, kuzobatsira mambo kurwa navavengi vavo.