2 Chronicles 26:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaita ʋo paJerusarema micini, yakaitwa naʋanhu ʋakaŋgwara, ikaiswa pashoŋgwe napamakona amaȿiŋgo, kuzoposhera nayo miseʋe namabge makuru. Mbiri yake ikapararira; nokuti wakaɓatsirwa ɀinoshamisa, kuȿikira asimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
MuJerusarema akagadzira michina yakagadzirwa navarume vane umhizha kuti ishandiswe pamusoro peshongwe napamakona kuti igopotsera miseve nokupotsera matombo makuru. Mbiri yake yakapararira kunzvimbo dziri kure, nokuti akabatsirwa zvikuru kusvikira ava nesimba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
MuJerusaremu akagadzirira michini yakanga yafungwa ikagadzirwa nedzimwe ngwazi dzavanhu kuti ishandiswe panharirire nepamakona yokukandisa miseve namatombo. Mukurumbira wake wakapararira kure kure nokuti akabatsirwa zvisina akamboona kudakara ava namasimba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaitawo paJerusaremu michini, yakaitwa navanhu vakangwara, ikaiswa pashongwe napamakona amasvingo, kuzoposhera nayo miseve namabwe makuru. Mbiri yake ikapararira; nokuti akabatsirwa zvinoshamisa, kusvikira asimba.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible