2 Chronicles 26:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi wakati asimba, mŋoyo wake ukaɀikudza, akazoita ɀakashata, akatadzira Jehova Mŋari wake; nokuti wakapinda patembere yaJehova kundopisa ɀinonhuwira paartari yeɀinonhuwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Uzia paakava nesimba, kuzvikudza kwake kwakamutungamirira mukuwa kwake. Haana kutendeka kuna Jehovha Mwari wake, uye akapinda mutemberi yaJehovha kundopisira zvinonhuwira paaritari yezvinonhuwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakanga zvino Uziya ava namasimba kudaro akatanga kuzvikudza zvikazomuparadza. Chakaitika ndechokuti haana kuva pachokwadi naTenzi, Mwari wake. Akapinda mutemberi yaTenzi kundopisa rusenzi paatari yourusenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi akati asimba, mwoyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti akapinda patemberi yaJehovha kundopisa zvinonhuwira paaritari yezvinonhuwira.
Shona 2009?
Asi akati asimba, moyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti akapinda patemberi yaJehovha kundopisa zvinonhuhwira paaritari yezvinonhuhwira.
Shona SUB 2002 Bible
Asi akati asimba, mwoyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti akapinda patemberi yaJehovha kundopisa zvinonhuwira paatari yezvinonhuwira.