2 Chronicles 26:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakadziʋisa mambo Uzia, ʋakati kwaari: Nhandi Uzia, haɀifaniri kuti imi mupisire Jehova ɀinonhuwira, asi ʋaprista ʋanakomana ʋaAroni, ʋakatsaurwa kupisa ɀinonhuwira; ɓuɗai panɀimbo tȿene, nokuti maɗarika; hamuŋgakudzwi naJehova Mŋari nokuɗa kwecinhu ici.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakamutongesa vakati, “Hazvina kufanira kwamuri imi, Uzia, kuti mupisire zvinonhuwira kuna Jehovha. Izvozvo ndezvavaprista, vanakomana vaAroni, vakatsaurirwa kuti vapise zvinonhuwira. Budai munzvimbo tsvene, nokuti hamuna kutendeka, uye hamungazokudzwa naJehovha Mwari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakasvikira mambo Uziya vakamuti, “Uziya iwe zvokupisira rusenzi kuna Tenzi hazvisi zvenyuka izvi, asi ndezvevapristi vanakomana vokwaAroni vakateketererwa kuna Mwari kuti vapise rusenzi. Ibva munzvimbo inoera nokuti watotadzira Tenzi Mwari haambokuremekedza nazvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakadzivisa mambo Uziya, vakati kwaari, “Nhandi Uziya, hazvifaniri kuti imi mupisire Jehovha zvinonhuwira, asi vapristi vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuwira; budai panzvimbo tsvene, nokuti madarika; hamungakudzwi naJehovha Mwari nokuda kwechinhu ichi.”
Shona 2009?
Ivo vakadzivisa mambo Uziya, vakati kwaari, "Nhandi Uziya, hazvifaniri kuti imwi mupisire Jehovha zvinonhuhwira, asi vaprista vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuhwira; budai panzvimbo tsvene, nokuti madarika; hamungakudzwi naJehovha Mwari nokuda kwechinhu ichi."
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakadzivisa mambo Uziya, vakati kwaari, “Nhandi Uziya, hazvifaniri kuti imi mupisire Jehovha zvinonhuwira, asi vapristi vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuwira; budai panzvimbo tsvene, nokuti madarika; hamungakudzwi naJehovha Mwari nokuda kwechinhu ichi.”