2 Chronicles 26:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Uzia akatsamŋa kwaɀo; ɀino iye wakaŋga akaɓata haryana yeɀinonhuwira kuti apise ɀinonhuwira; ɀino wakati acakatsamŋira ʋaprista, maperembudzi akaɓuɗa pahuma yake pamberi paʋaprista muimba yaJehova, kurutiʋi rweartari yeɀinonhuwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uzia uyo akanga aine mbiya yokupisira zvinonhuwira muruoko rwake, akatsamwa kwazvo. Paakanga achakatsamwira vaprista pamberi pavo, pamberi pearitari yezvinonhuwira mutemberi yaJehovha, maperembudzi akamera pahuma yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uziya akashatirwa, izvozvo akanga akabata mumaoko bisiro rokupisira rusenzi. Ashatirirwa vapristi kudaro, akabva abuda maperembudzi pahuma pake, pana vapristi ipapo mumba yaTenzi pedyo neatari yorusenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Uziya akatsamwa kwazvo; zvino iye akanga akabata hariyana yezvinonhuwira kuti apise zvinonhuwira; zvino akati achakatsamwira vapristi, maperembudzi akabuda pahuma yake pamberi pavapristi muimba yaJehovha, kurutivi rwearitari yezvinonhuwira.
Shona 2009?
Ipapo Uziya akatsamwa kwazvo; zvino iye akanga akabata hadyana yezvinonhuhwira kuti apise zvinonhuhwira; zvino akati achakatsamwira vaprista, maperembudzi akabuda pahuma yake pamberi pavaprista muimba yaJehovha, kurutivi rwearitari yezvinonhuhwira.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Uziya akatsamwa kwazvo; zvino iye akanga akabata hariyana yezvinonhuwira kuti apise zvinonhuwira; zvino akati achakatsamwira vapristi, maperembudzi akabuda pahuma yake pamberi pavapristi muimba yaJehovha, kurutivi rweatari yezvinonhuwira.