2 Chronicles 26:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Azaria muprista mukuru naʋaprista ʋose ʋakatarira kwaari, ʋakaʋona kuti waʋa namaperembudzi pahuma yake, ʋakacimbidzika kumuɓuɗisa’po; kunyaŋge naiye wakacimbidzika kuɓuɗa, nokuti Jehova wakaŋga amuroʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Azaria mukuru wavaprista, navaprista vose pavakatarisa kwaari, vakaona kuti akanga ava namaperembudzi pahuma yake, saka vakakurumidza kumuburitsamo. Zvirokwazvo iyewo pachake akanga ava kuda kubuda nokuti Jehovha akanga amurova nechirwere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Azariya mupristi mukuru navapristi vose vakatarisa kwaari, onei atova nemaperembudzi pahuma. Vakamuburitsa nokukurumidza. Iyewo akakasika kubuda nokuti Tenzi akanga amurova neshamhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Azaria mupristi mukuru navapristi vose vakatarira kwaari, vakaona kuti wava namaperembudzi pahuma yake, vakachimbidzika kumubudisapo; kunyange naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha akanga amurova.
Shona 2009?
Zvino Azaria muprista mukuru navaprista vose vakatarira kwaari, vakaona kuti wava namaperembudzi pahuma yake, vakachimbidzika kumubudisapo; kunyange naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha akanga amurova.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Azaria mupristi mukuru navapristi vose vakatarira kwaari, vakaona kuti wava namaperembudzi pahuma yake, vakachimbidzika kumubudisapo; kunyangwe naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha akanga amurova.