2 Chronicles 26:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo Uzia akaʋa namaperembudzi kuȿikira pazuʋa rokufa kwake, akagara ari oga muimba, anamaperembudzi; nokuti wakadziʋiswa kupinda paimba yaJehova; Jotami mŋanakomana wake akaʋa mutariri weimba yamambo, akatoŋga ʋo mhoȿa dzaʋanhu ʋenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Uzia akava namaperembudzi kusvikira musi waakafa. Aigara asingabvumirwi kupinda mutemberi yaJehovha. Jotamu mwanakomana wake ndiye aitonga mumuzinda uye nokutonga vanhu venyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Uziya akazogara ava munhu ana maperembudzi kudzimara musi wokufa kwake. Somunhuwo aiva nemaperembudzi kudaro aigara ari kwake oga mumba, pamusana pokuti akanga asisabvumirwe mumba yaTenzi. Mwanakomana wake Jotamu ndiye akava samusha womumuzinda wamambo achitonga vanhu munyikamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo Uziya akava namaperembudzi kusvikira pazuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba, anamaperembudzi; nokuti akadziviswa kupinda paimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake akava mutariri weimba yamambo, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.
Shona 2009?
Zvino mambo Uziya akava namaperembudzi kusvikira pazuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba, anamaperembudzi; nokuti akadziviswa kupinda paimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake akava mutariri weimba yamambo, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo Uziya akava namaperembudzi kusvikira pazuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba, ana maperembudzi; nokuti akadziviswa kupinda paimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake akava mutariri weimba yamambo, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.