2 Chronicles 26:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Uzia akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga kumadziɓaɓa ake mumunda wamarinda aiʋa amadzimambo; nokuti ʋakati: Unamaperembudzi; Jotami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uzia akazorora namadzibaba ake akavigwa pedyo navo mumunda wemakuva waiva wamadzimambo, nokuti vanhu vakati, “Aiva namaperembudzi.” Jotamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uziya akazovatawo oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Vakamuviga pamwechete nemadzibaba ake kunzvimbo yemakuva aivigwa madzimambo nokuti vakati, “Ane maperembudzi.” Mwana wake Jotamu ndiye akatonga panzvimbo pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Uziya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumadzibaba ake mumunda wamarinda aiva amadzimambo; nokuti vakati, “Ana maperembudzi;” Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
Shona 2009?
Naizvozvo Uziya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumadzibaba ake mumunda wamarinda aiva amadzimambo; nokuti vakati, "Una maperembudzi;" Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Uziya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumadzibaba ake mumunda wamarinda aiva amadzimambo; nokuti vakati, “Ana maperembudzi;” Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.