2 Chronicles 28:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino munoti mucamanikidza ʋana ʋaJuda naʋeJerusarema, ʋaʋe ʋatapxa ʋenyu ʋaranda naʋarandakadzi; ko imi hamunemhoȿa ʋo mumene pamberi paJehova Mŋari wenyu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye zvino mava kuda kuita varume navakadzi veJudha neJerusarema nhapwa dzenyu. Asi imiwo hamuna here mhosva dzezvivi zvamakaitira Jehovha Mwari wenyu?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mava kuda kuisa pasi penyu vanhu vokwaJudha neveJerusaremu, varume navakadzi, kuvaita varanda venyu. Iyemi hamunawo here zvitadzo zvenyu zvamakatadzira nazvo Tenzi, Mwari wenyu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino munoti muchamanikidza vana vaJudha naveJerusaremu, vave vatapwa venyu varanda navarandakadzi; ko imi hamune mhosvawo mumene pamberi paJehovha Mwari wenyu here?
Shona 2009?
Zvino munoti muchamanikidza vana vaJudha naveJerusaremu, vave vatapwa venyu varanda navarandakadzi; ko imwi hamune mhosvawo mumene pamberi paJehovha Mwari wenyu here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino munoti muchamanikidza vana vaJudha naveJerusaremu, vave vatapwa venyu varanda navarandakadzi; ko imi hamuna mhosvawo mumene pamberi paJehovha Mwari wenyu here?