2 Chronicles 28:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakaɓayira ʋamŋari ʋeDamasko, ʋakaŋga ʋamukunda, akati: Ʋamŋari ʋamadzimambo aSiria ɀaʋanoʋaɓatsira, ini ndicaʋaɓayira ʋo, kuti ʋandiɓatsire ʋo. Asi iʋo ʋakamuparadza iye naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapa zvibayiro kuna vamwari veDhamasiko vakanga vamukunda; nokuti akafunga akati, “Sezvo vamwari vemadzimambo eAramu vakavabatsira ini ndichapa zvibayiro kwavari kuti vangondibatsira.” Asi ndivo vakava kuwa kwake nokweIsraeri yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti akapira zvibayiro kuvamwari veDhamasikusi vakamukurira achiti, “Pamusana pokuti vamwari vamadzimambo eSiria akavabatsira regai ndichipirawo zvibayiro kwavari vagondibatsirawo.” Asi ndovakava mharadzi yake neyevose vokwaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akabayira vamwari veDhamasiko, vakanga vamukunda, akati, “Vamwari vamadzimambo aSiria zvavanovabatsira, ini ndichavabayirawo, kuti vandibatsirewo.” Asi ivo vakamuparadza iye navaIsiraeri vose pamwechete naye.
Shona 2009?
Nokuti akabayira vamwari veDhamasiko, vakanga vamukunda, akati, "Vamwari vamadzimambo aSiria zvavanovabatsira, ini ndichavabayirawo, kuti vandibatsirewo." Asi ivo vakamuparadza iye navalsiraeri vose pamwechete naye.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akabayira vamwari veDhamasikosi, vakanga vamukunda, akati, “Vamwari vamadzimambo aSiria zvavanovabatsira, ini ndichavabayirawo, kuti vandibatsirewo.” Asi ivo vakamuparadza iye naVaIsiraeri vose pamwechete naye.