2 Chronicles 28:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Ahazi akaʋuŋganidza midziyo yeimba yaMŋari, akaputsanya midziyo yeimba yaMŋari, akapfiga mikoʋa yeimba yaJehova; akaɀiitira artari pose‐pose paJerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahazi akaunganidza midziyo yose yomutemberi akaitakura akaenda nayo. Akapfiga masuo etemberi yaJehovha akagadzira aritari pamakona ose emigwagwa yeJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahazi akaunganidza pamwechete midziyo yomumba yaMwari, akadimura-dimura midziyo yomumba yaMwari. Akapfiga misuo yepamba yaTenzi akazvigadzirira atari pakona yose yose muJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Ahazi akaunganidza midziyo yeimba yaMwari akaputsanya midziyo yeimba yaMwari, akapfiga mikova yeimba yaJehovha; akazviitira aritari pose-pose paJerusaremu.
Shona 2009?
Zvino Ahazi akaunganidza midziyo yeimba yaMwari akaputsanya midziyo yeimba yaMwari, akapfiga mikova yeimba yaJehovha; akazviitira aritari pose-pose paJerusaremu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Ahazi akaunganidza midziyo yeimba yaMwari akaputsanya midziyo yeimba yaMwari, akapfiga mikova yeimba yaJehovha; akazviitira atari pose pose paJerusaremu.