2 Chronicles 28:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka Jehova Mŋari wake wakamuisa muruʋoko rwamambo weSiria; ʋakamukunda, ʋakaenda naʋanhu ʋake ʋazhinji ʋakatapxa, ʋakandoʋaisa Damasko. Naiye amene wakaiswa muruʋoko rwamambo waIsraeri, wakamukunda, akaʋuraya ʋazhinji‐zhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Jehovha Mwari wake akamuisa mumaoko amambo weAramu. VaAramu vakamukunda uye vakatora vanhu vake vazhinji senhapwa vakauya navo kuDhamasiko. Akaiswawo mumaoko amambo weIsraeri uyo akauraya vanhu vazhinji kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Tenzi, Mwari wake akamuisa mumaoko amambo weSiria akamukurira akatapa gurusvusvu chairo revanhu vake akaenda navo kuDhamasikusi. Akaiswawo mumaoko amambo wokwaIsiraeri akamukurira zvokumuparadza chaizvo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka Jehovha Mwari wake akamuisa muruoko rwamambo weSiria; vakamukunda, vakaenda navanhu vake vazhinji vakatapwa, vakandovaisa Dhamasiko. Naiye amene akaiswa muruoko rwamambo waIsiraeri, akamukunda, akauraya vazhinji-zhinji.
Shona 2009?
Saka Jehovha Mwari wake akamuisa muruoko rwamambo weSiria; vakamukunda, vakaenda navanhu vake vazhinji vakatapwa, vakandovaisa Dhamasiko. Naiye amene akaiswa muruoko rwamambo waIsiraeri, akamukunda, akauraya vazhinji-zhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Saka Jehovha Mwari wake akamuisa muruoko rwamambo weSiria; vakamukunda, vakaenda navanhu vake vazhinji vakatapwa, vakandovaisa Dhamasikosi. Naiye amene akaiswa muruoko rwamambo waIsiraeri, akamukunda, akauraya vazhinji zhinji.