2 Chronicles 28:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaIsraeri ʋakatapa pakati pehama dzaʋo ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamazana maʋiri, ʋakadzi, naʋanakomana, naʋanasikana, ʋakapamba ʋo ɀizhinji kwaʋari; ʋakandoisa Samaria iɀo ɀakapambga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakatapa kubva kuhama dzavo vakadzi navanakomana navanasikana zviuru mazana maviri. Vakapambawo zvinhu zvakawanda, zvavakatakura vakadzokera nazvo kuSamaria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varwi vokwaIsiraeri vakatora nhapwa dzaikwana mazana maviri ezviuru nehama dzavo, vakadzi, nevana, vakomana navasikana. Vakavapambawo zvinhu zvakawanda vakaenda nazvo kuSamaria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaIsiraeri vakatapa pakati pehama dzavo vanhu vane zviuru zvina mazana maviri, vakadzi, vanakomana, navanasikana, vakapambawo zvizhinji kwavari; vakandoisa Samaria izvo zvakapambwa.
Shona 2009?
Vana valsiraeri vakatapa pakati pehama dzavo vanhu vane zviuru zvina mazana maviri, vakadzi, vanakomana, navanasikana, vakapambawo zvizhinji kwavari; vakandoisa Samaria izvo zvakapambwa.
Shona SUB 2002 Bible
Vana VaIsiraeri vakatapa pakati pehama dzavo vanhu vane zviuru zvina mazana maviri, vakadzi, vanakomana, navanasikana, vakapambawo zvizhinji kwavari; vakandoisa Samaria izvo zvakapambwa.