2 Chronicles 28:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kwakaŋga kunomuprofita waJehova, wainzi Odedi; iye akaenda kundosoŋgana nehondo yakaŋga yoʋuya Samaria, akati kwaʋari: Jehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakaŋga atsamŋira ʋaJuda, saka wakaʋaisa mumaʋoko enyu, mukaʋaʋuraya nehasha dzakaȿikira kuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi muprofita waJehovha ainzi Odhedhi akanga aripo, uye akabuda kundosangana nehondo payakadzoka kubva kuSamaria. Akati kwavari, “Nokuti Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira Judha, akavaisa muruoko rwenyu. Asi mavauraya nehasha dzinosvika kudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kwakanga kuine muporofita waMwari ainzi Obhedhi akabuda kundosangana nehondo yacho yaienda kuSamaria akati kwavari, “Chinzwai, pamusana pokuti Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu akashatirirwa vokwaJudha, akavaisa mumaoko menyu. Asi imi mavauraya noutsinye hwasvika nokudenga kwose,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kwakanga kuno muporofita waJehovha, wainzi Obhedhi; iye akaenda kundosangana nehondo yakanga youya Samaria, akati kwavari, “Jehovha Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira vaJudha, saka akavaisa mumaoko enyu, makavauraya nehasha dzakasvikira kudenga.
Shona 2009?
Asi kwakanga kuno muporofita waJehovha, wainzi Obhedhi; iye akaenda kundosangana nehondo yakanga youya Samaria, akati kwavari, "Jehovha Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira vaJudha, saka akavaisa mumaoko enyu, makavauraya nehasha dzakasvikira kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kwakanga kuno muporofita waJehovha, wainzi Obhedhi; iye akaenda kundosangana nehondo yakanga youya Samaria, akati kwavari, “Jehovha Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira vaJudha, saka akavaisa mumaoko enyu, makavauraya nehasha dzakasvikira kudenga.