2 Chronicles 29:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanakomana ʋaŋgu, regai kuʋa ʋanhu ʋasinehanya ɀino, nokuti Jehova wakakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumuɓatirei, nokuʋa ʋaɓatiri ʋake, nokumupisira ɀinonhuwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanakomana vangu, musava vanhu vasina hanya zvino, nokuti Jehovha akakusarudzai kuti mumire pamberi pake, uye mumushandire, kuti mushumire pamberi pake uye mupise zvinonhuwira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanangu regai kuva nechamuchaitira nungo nokuti Tenzi akasarudzemi kuti mupote muchimira paari muchimushandira muri vashandi vake muchimupisira rusenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vanakomana vangu, regai kuva vanhu vasine hanya zvino, nokuti Jehovha akakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumubatirei, nokuva vabatiri vake, nokumupisira zvinonhuwira.”
Shona 2009?
"Vanakomana vangu, regai kuva vanhu vasine hanya zvino, nokuti Jehovha akakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumubatirei, nokuva vabatiri vake, nokumupisira zvinonhuhwira."
Shona SUB 2002 Bible
“Vanakomana vangu, regai kuva vanhu vasine hanya zvino, nokuti Jehovha akakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumubatirei, nokuva vabatiri vake, nokumupisira zvinonhuwira.”