2 Chronicles 29:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaprista ʋakapinda mukati meimba yaJehova, kuti ʋainatse, ʋakaɓuɗisa marara ose aʋakawana mutembere yaJehova kuruʋazhe rweimba yaJehova. ƲaRevi ʋakaatora, ndokuatakurira kunze kurukoʋa Kidroni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista vakaenda munzvimbo tsvene yaJehovha kuti vandoichenesa. Vakabudisira kuchivanze chetemberi yaJehovha zvose zvakanga zvisina kuchena zvavakaona mutemberi yaJehovha. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kuMupata weKidhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi vakapinda mukati memba yaTenzi kundoinatsa. Vakaburitsa muruvanze rwemba yaTenzi zvose zvaiva zvakan'ora zvavakawana muTemberi yaTenzi. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kukakova keKidhironi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vapristi vakapinda mukati meimba yaJehovha, kuti vainatse, vakabudisa marara ose avakawana mutemberi yaJehovha kuruvazhe rweimba yaJehovha. VaRevhi vakaatora, ndokuatakurira kunze kurukova Kidhironi.
Shona 2009?
Vaprista vakapinda mukati meimba yaJehovha, kuti vainatse, vakabudisa marara ose avakawana mutemberi yaJehovha kuruvazhe rweimba yaJehovha. VaRevhi vakaatora, ndokuatakurira kunze kurukova Kidhironi.
Shona SUB 2002 Bible
Vapristi vakapinda mukati meimba yaJehovha, kuti vainatse, vakabudisa marara ose avakawana mutemberi yaJehovha kuruvazhe rweimba yaJehovha. VaRevhi vakaatora, ndokuatakurira kunze kurukova Kidhironi.