2 Chronicles 29:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakataŋga kunatsa nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wokutaŋga, ʋakaȿika paɓiraʋira raJehova nezuʋa rorusere romŋedzi; ʋakanatsa imba yaJehova namazuʋa masere; ʋakapedzisa nezuʋa regumi namatanhatu romŋedzi wokutaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatanga kunatsa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga uye pazuva rorusere romwedzi vakasvika pabiravira raJehovha. Kwamamwezve mazuva masere vakanatsa temberi yaJehovha pachayo, vakapedza nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatanga kuchenura uku musi wokutanga wemwedzi wechiposhi ndokubva pamusi wechisere wacho vasvika kukamba kaye kaTenzi, kwokumusuo, tichangobuda mumba yomukati. Vakazoita mamwe mazuva masere okuchenura imba yaTenzi, vakazopedza rava zuva regumi nechitanhatu romwedzi wechiposhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakatanga kunatsa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, vakasvika pabiravira raJehovha nezuva rorusere romwedzi; vakanatsa imba yaJehovha namazuva masere; vakapedzisa nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible