2 Chronicles 29:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋuya nenzombe nomŋe, namakondobge manomŋe, namakwaiana manomŋe, nenhoŋgo dzembudzi nomŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi coʋushe neimba tȿene naʋaJuda. Akaraira ʋaprista iʋo ʋanakomana ʋaAroni, kuti ʋaɀiɓayire paartari yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakauya nehando nomwe, makondohwe manomwe, namakwai makono manomwe nembudzi hono nomwe sechibayiro chezvivi choushe, chenzvimbo tsvene necheJudha. Mambo akarayira vaprista, zvizvarwa zvaAroni kuti vapisire zvibayiro izvi paaritari yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakaunza handira nomwe nehondohwe nomwe nehwayana nomwe namakotora manomwe omupiro wokupfupira zvitadzo zvoumambo nenzvimbo inoera nenyika yokwaJudha, akati vapristi, vanakomana vokwaAroni vazviite zvibayiro paatari yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakauya nenzombe nomwe, namakondobwe manomwe, namakwaiana manomwe, nenhongo dzembudzi nomwe, chive chipiriso chezvivi choushe neimba tsvene navaJudha. Akaraira vapristi ivo vanakomana vaAroni, kuti vazvibayire paaritari yaJehovha.
Shona 2009?
Vakauya nenzombe nomwe, namakondobwe manomwe, namakwaiana manomwe, nenhongo dzembudzi nomwe, chive chipiriso chezvivi choushe neimba tsvene navaJudha. Akaraira vaprista ivo vanakomana vaAroni, kuti vazvibayire paaritari yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Vakauya nenzombe nomwe, namakondobwe manomwe, namakwaiana manomwe, nenhongo dzembudzi nomwe, chive chipiriso chezvivi choushe neimba tsvene navaJudha. Akaraira vapristi ivo vanakomana vaAroni, kuti vazvibayire paatari yaJehovha.