2 Chronicles 29:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaisa ʋaRevi mumba maJehova, ʋanamakandira, nemiteŋgeranwa, nembira, seɀaʋakarairwa naDavidi, ʋuye nomuʋoni wamambo Gad, ʋuye nomuprofita Natania; nokuti wakaŋga ari Jehova wakaraira naʋaprofita ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaisa vaRevhi mutemberi yaJehovha vane makandira, nemitengeranwa nembira sezvaakanga arairwa naDhavhidhi naGadhi muoni wamambo naNatani muprofita. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza navaprofita vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaisa vaRevhi mumba yaTenzi vaine makwakwakwa outare nemadimbwa nezvipendani sokutemwa kwazvakaitwa naDhavhidhi nomuoni wokwamambo nomuporofita Natani pamusana pokuti mutemo wakanga wabva kuna Tenzi uchitaurwa navaporofita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaisa vaRevhi mumba maJehovha, vana makandira, nemitengerangwa, nembira, sezvavakarairwa naDhavhidhi, uye nomuoni wamambo Gadhi, uye nomuporofita Natania; nokuti akanga ari Jehovha akaraira navaporofita vake.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible