2 Chronicles 29:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo Hezekia namacinda ʋakaraira ʋo ʋaRevi kuimbira Jehova ʋacimukudza namashoko aDavidi nomuʋoni Asafi. Ʋakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, ʋakakotamisa misoro yaʋo ʋakanamata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Hezekia namachinda ake vakarayira vaRevhi kuti varumbidze Jehovha namashoko aDhavhidhi neaAsafi muoni. Saka vakaimba nziyo dzokurumbidza nomufaro uye vakakotamisa misoro yavo vakanamata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Hezekiya namachinda vakati vaRevhi vaimbe nziyo dzokurumbidza Tenzi vachiimba namazwi aDhavhidhi neomuoni Asafu. Vakaimba dzimbo dzokurumbidza vachifara vakati pasi kota-kota vachipfugamira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo Hezekia namachinda vakarairawo vaRevhi kuimbira Jehovha vachimukudza namashoko aDhavhidhi nomuoni Asafi. Vakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, vakakotamisa misoro yavo vakanamata.
Shona 2009?
Mambo Hezekia namachinda vakarairawo vaRevhi kuimbira Jehovha vachimukudza namashoko aDhavhidhi nomuoni Asafi. Vakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, vakakotamisa misoro yavo vakanamata.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo Hezekiya namachinda vakarairawo vaRevhi kuimbira Jehovha vachimukudza namashoko aDhavhidhi nomuoni Asafi. Vakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, vakakotamisa misoro yavo vakanamata.