2 Chronicles 29:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Hezekia akapindura, akati: Ɀino ɀamaɀitsaurira Jehova, sweɗerai muʋuye neɀiɓayiro neɀipiriso ɀokuʋoŋga naɀo mumba maJehova. Ʋuŋgano ndokuʋuya neɀiɓayiro neɀipiriso ɀokuʋoŋga; ʋose, ʋakaŋga ʋanomŋoyo unoɗa, ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Hezekia akati, “Imi iye zvino mazvikumikidza kuna Jehovha. Uyai nezvipiriso zvokuvonga kutemberi yaJehovha.” Saka ungano yose yakauyisa zvipisiro nezvipo zvokuvonga, uye vose vaiva nemwoyo inoda vakauyisa zvipiriso zvinopiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akazoti, “Zvino zvamazviteketerera kuna Tenzi kudai, chiuyai muunze zvibayiro nemipiro yokutenda kumba yaTenzi.” Gungano iroro rakaunza zvibayiro nemipiro yokutenda nevamwewo vose vaiva nemwoyo wokupa vakaunza zvibayiro zvokupisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Hezekia akapindura, akati, “Zvino zvamazvitsaurira Jehovha, swederai muuye nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga nazvo mumba maJehovha.” Ungano ndokuuya nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga; vose, vakanga vanomwoyo unoda, vakauya nezvipiriso zvinopiswa.
Shona 2009?
Ipapo Hezekia akapindura, akati, "Zvino zvamazvitsaurira Jehovha, swederai muuye nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga nazvo mumba maJehovha." Ungano ndokuuya nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga; vose, vakanga vanomoyo unoda, vakauya nezvipiriso zvinopiswa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Hezekiya akapindura, akati, “Zvino zvamazvitsaurira Jehovha, swederai muuye nezvibairo nezvipiriso zvokuvonga nazvo mumba maJehovha.” Ungano ndokuuya nezvibairo nezvipiriso zvokuvonga; vose, vakanga vanomwoyo unoda, vakauya nezvipiriso zvinopiswa.