2 Chronicles 29:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀipiriso ɀinopiswa, ɀakaʋuyiswa neʋuŋgano, ɀakaȿika nzombe dzinamakumi manomŋe, namakondobge anezana, namakwaiana anamazana maʋiri pakuwanda kwaɀo; iɀi ɀose cakaŋga ciri cipiriso cokupisira Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvipiriso zvinopiswa zvakauyiswa neungano zvaiti hando makumi manomwe, namamakondohwe zana, namakwayana makono mazana maviri, zvose izvi zvaiva zvokupisira kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uwandi hwemipiro yokupisa yakaunzwa negungano zvaiva makumi manomwe ehandira nehondohwe zana namazana maviri ehwayana. Dzose idzodzi dzaiva dzomupiro wokupisa wokupira kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvipiriso zvinopiswa, zvakauyiswa neungano, zvakasvika nzombe dzina makumi manomwe namakondobwe ane zana, namakwayana ana mazana maviri pakuwanda kwazvo; izvi zvose chakanga chiri chipiriso chokupisira Jehovha.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible