2 Chronicles 29:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋaprista ʋakaŋga ʋasiŋgariŋgani, ʋakakoniwa kuviya ɀipiriso ɀose ɀinopiswa; saka ʋaRevi hama dzaʋo, ʋakaʋaɓatsira, kuȿikira ɓasa rapera, ʋuye kuȿikira ʋaprista ʋaɀinatsa; nokuti mŋoyo yaʋaRevi yakaŋga yakarurama pakuɀinatsa kupfuʋura ʋaprista.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, vaprista vakanga vari vashoma kwazvo kuti vakwanise kuvhiya zvipiriso zvose izvi; saka hama dzavo vaRevhi vakavabatsira kusvikira basa iri rapera uye kusvikira vamwe vaprista vatsaurwa nokuti vaRevhi vakanga vakangwarira kwazvo kuzvigadza kupfuura zvaiita vaprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vapristi vaiva vashomanini zvokuti havana kugona kuvhiya mipiro yokupisa yose. Naizvozvo kusvikira vamwe vapristi vazozvichenurawo, ivo vainge vachitobatsirwa nehama dzavo dzokwaRevhi kusvikira basa iroro rapera pari pamusana pokuti vaRevhi ndovakanga vane mwoyo uri pachokwadi kupinda vapristi panyaya yokuzvichenura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vapristi vakanga vasingaringani, vakakoniwa kuvhiya zvipiriso zvose zvinopiswa; saka vaRevhi hama dzavo, vakavabatsira, kusvikira basa rapera, uye kusvikira vapristi vazvinatsa; nokuti mwoyo yavaRevhi yakanga yakarurama pakuzvinatsa kupfuura vapristi.
Shona 2009?
Asi vaprista vakanga vasingaringani, vakakoniwa kuvhiya zvipiriso zvose zvinopiswa, saka vaRevhi hama dzavo, vakavabatsira, kusvikira basa rapera, uye kusvikira vaprista vazvinatsa; nokuti moyo yavaRevhi yakanga yakarurama pakuzvinatsa kupfuura vaprista.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vapristi vakanga vasingaringani, vakakoniwa kuvhiya zvipiriso zvose zvinopiswa; saka vaRevhi hama dzavo, vakavabatsira, kusvikira basa rapera, uye kusvikira vapristi vazvinatsa; nokuti mwoyo yavaRevhi yakanga yakarurama pakuzvinatsa kupfuura vapristi.